1 Corinthians 9

Kodzero dzoMupostori

1Handina kusununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imi hamusi chibereko chebasa rangu muna She here? 2Kunyange zvangu ndisiri mupostori kuna vamwe, zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri! Nokuti imi ndimi chisimbiso choupostori hwangu muna She.

3Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare. 4Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here? 5Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanunʼuna vaShe naKefasi? 6Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame?

7Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo? 8Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here? 9Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here? 10Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo. 11Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama? 12Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here?

Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu.
13Hamuzivi here kuti vaya vanoshumira mutemberi vanowana zvokudya zvavo mutemberi, uye vanoshumira paaritari vanodya zvearitari? 14Saizvozvowo, Ishe akarayira kuti vanoparidza vhangeri vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva pavhangeri.

15Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho. 16Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri! 17Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite. 18Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza.

19Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. 20KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro. 21Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro. 22Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka. 23Ndinoita zvose izvi nokuda kwevhangeri, kuti ndigovere maropafadzo aro.

24Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro.

25Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. 26Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. 27Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.

Copyright information for SnaBDSC